Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 19, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana mana nemakumi matanhatu nevatatu, vafa vachiramba vari vana.

Vashandi vezvehutano muhurumende vanopinda muzuva repiri vachiramwa mabasa vachiti vanoda kuti hurumende ivabhadhare mihoro inoenderana nekuoma kuri kuita zvinhu zuva nezuva.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yoendeswa kumatare neMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rokurudzira veruzhunji kuti varatidzire kusafara kwavo nemaitiro ehurumende iyo rati riri kutadza kugadzirisa zvinhu munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara muBotswana zvisiri pamutemo, zvogara zvakabatira hura mumaoko zvichitya kusungwa pamwe nekudzoserwa kuZimbabwe

Chikwata chemutambo wekiriketi chemaChevrons chiri kutarisirwa kutamba neAfghanistan mwedzi unouya zvisineyi kuti chirwere cheCovid-19 chichiri kunetsa pasi rose.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG