Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 18, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana mana nemumwe chete, vafa vachiramba vari vana.

Vashandi vezvehutano muhurumende vanokanda mapadza avo pasi muHarare vachiti vanoda mihoro inoenderana nekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi kwete mari shoma yakawedzerwa nehurumende svondo rino.

Vakoti vepaUnited Bulawayo Hospital vanoratidzira pachipatara ichi vachiti havasi kufarawo nemihoro yavari kupihwa.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti haineyi nemhirizhonga yaitika paMorgan Tsvangirai House nhasi muHarare.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshanda kuSouth Africa zvinotambira nemufaro kuvhurwa kwemahotera, nzvimbo dzekudyira nedzekuita zvemucheno sezvo vakawanda vavo vachishanda munzvimbo idzi.

Ukuwo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara muBotswana zvisiri pamutemo, zvogara zvakabatira hura mumaoko zvichitya kusungwa pamwe nekudzoserwa kuZimbabwe

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG