Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete, vafa vachiramba vari vana.
Vashandi vakawanda munyika vochema chema zvikuru nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu munyika panguva iyo mihoro yavo isiri kukwira.
Vana mukoti voratidzira vachiti havasi kufara nekudimburwa kwakaitwa mihoro yavo, pamwe nekusagadziriswa kwezvinhu muhurongwa hwekurwisana nedambudziko reCovid-19
Vagari vemuBulawayo voita musangano wakakosha wekuzeya dambudziko remvura
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvisiri pamutemo zvogara zvakabatira hura mumaoko zvichitya kusungwa pamwe nekudzoserwa kuZimbabwe zvechisimba
Muchirongwa chatinotarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaPhainos Chikunda, avo vari kuPort Elizabeth, kuSouth Africa, vachitaura pamusoro pematanho avari kutora mukuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19, kungave kubasa kana kumba.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nwzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika munguva ino yekurwisana nedambudziko rehutachiona hweCoronavirus.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum