Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 16, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana matatu nemakumi masere nevanomwe, (387), vapona vachisvika pamakumi mashanu nevana, vafa vachiramba vari vana, paine kurudziro yekuti hurumende iwedzere huwandu hwevanhu vari kuongororwa kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete pazuva rega rega.

Mapurisa nemasoja avharisa dhorobha reBulawayo nhasi mushure
mekunge amanikidza kudzosera vanhu kudzimba dzavo izvo zvasiya vakawanda vachishamisika nekusanzwisisa kuti chii chiri kuitika sezvo ange asingape chikonzero chekuita izvi.

Muzvinabhinesi ari kupomerwa mhosva dzekuita zvehuori pakutengwa kwezvinhu zvekushandisa munguva yeCovid-19, VaDelish Nguwaya, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, hurumende ichiti vanogona kutiza munyika.

Dare reHigh Court rinorasa chikumbiro chevagari vekuChitungwiza richiti hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pakavandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika hunofanirwa kuenderera mberi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika takatarisana nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG