Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 12, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira nezuro manheru kusvika pamazana matatu nemakumi matatu nevaviri zvichitevera kuwanikwa kwevanhu gumi nevaviri vaine vchirwere ichi nezuro.

Madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, anoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vari mudare redzimhosva vachipomerwa dzimwe mhosva dzinosanganisira kunyepa zvichitevera kupambwa kwavakaitwa pamwe nekutochwa vari mumaoko emapurisa.

MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yonetsana mudare neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa pagakava remuzinda webato iri, weMorgan Richard Tsvangirai House, uyo waizivikanwa nezita rekuti Harvest House.

Studio7 inorambidzwa kutora nhau apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanga vachiparura hurongwa hwemabhazi eZupco anoenda kumaruwa.

Aimbotambira Black Mambas neSporting Lions, Philemon Mutyakureva, anoti Zimbabwe haisisina vatambi vanonyatsokugona mutambo uyu kuitira kuti vakwezve vatsigiri venhabvu vakawanda kudzinhandare sezvaisiitika mumakore aaitamba nhabvu. Michael Kariati anotipa nyaya iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika panguva ino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG