Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 10, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira nezuro manheru kusvika pamazana matatu negumi nevana zvichitevera kuwanikwa kwevanhu makumi maviri nevanomwe vaine vchirwere ichi nezuro.

Sachigaro webazi remadzimai muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya, vanoti hukama hwavo nebato iri hwasvika kwamvura yacheka makumbo.

Sangano reUnited Nations rinoshora kutochwa kwakaitwa madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, anoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova. United Nations inoti inoda kuuya kuZimbabwe kuzoongorora nyaya dzekodzero dzevanhu.

Dhora remuZimbabwe rafuma rakadonha zvakanyanya nhasi. Dhora remuAmerica range richitengwa nemadhora makumi manomwe emuZimbabwe, nhasi range rotengeswa nemari inodarika madhora makumi manomwe nemashanu emuZimbabwe kana kudarika.

Mumwe murimi opura mari nekurima maruva ayo anotengesa kunze kwenyika

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG