Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira nezuro manheru kusvika pamazana maviri nemakumi masere nevanomwe, vafa vachiri vana.
Dare redzimhosva rinopa mutongo wekuti madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, anoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vaise magwaro avo ekufambisa mumaoko edare sezvo hurumende iri kutyira kuti vatatu ava vanogona kutiza munyika.
Sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, ronyunyuta nekukwidzwa kwarinoti kwakaitwa mitero nekanzuru kubva muna Ndira wegore rino nezvikamu zvinosvika kana kudarika mazana matatu kubva muzana isina kugara pasi nevagari kana kuvazivisa muna Ndira macho. Mitero inonzi yakakwidzwa inosanganisira yezvivakwa, mvura, kutakurwa kwemarara, pamwe nenzvimbo dzekuviga vafi.
Mafuta ekufambisa dzimotokari onetsa kuwana munyika kunyange hazvo gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakazivisa kuti makambani anotenga mafuta kunze kwenyika ari kupihwa mari inokwanisa kutenga mafuta anodiwa munyika.
Bazi rezvemari rinoti vemakambani vanokwanisa kutanga kunotora zvikwereti zvekuti vamutsiridze mabhizimisi avo awirwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19 asi vachifanira kuve nemagwaro anoratidza kuti vari kubhadhara mitero nekuti vari kushanda zviri pamutemo. Mari yekubatsirikana iyi inosvika mabhiriyoni gumi nemasere emunyika.
Vabekeri, vadzidzi pamwe chete nemasangano anomirira varairidzi munyika, vari kugunung’una zvikuru nedanho riri kutorwa nesangano re Zimbabwe School Examinations Council rekuendera mberi nekugadzirira kunyorwa kwebvunzo panguva iyo vanhu vari kuti munyika machine dambudziko rechirwere cheCovid-19
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki muhupenyu hwavo zvikuru munyaya dzedzidzo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum