Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 05, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pamazana maviri nemakumi matatu nevanomwe, vafa vachiri vana.

MDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe inotora muzinda weMorgan Richard Tsvangirai House.

Asi MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti muzinda uyu wakabvutwa nechisimba pachishandiswa mapurisa nemauto aive nepfuti nezvombo zvehondo.

Humwe hutungamiri hweMDC yaVaChamisa, VaTendai Biti naAmai Lynett Karenyi Kore nevamwe, vanosunga paMorgan Tsvangirai House mugakava rekurwira muzinda uyu pakati paMuzvare Khupe naVaChamisa.

Mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari unokwira panguva iyo chingwa chichangobvawo kukwira mutengo, izvo zvinonzi neimwe nyanzvi mune zvehupfumi mucherechedzo wekushaya simba kuri kuramba kuchiita mari yemunyika ichienzaniswa neyekunze.

Kuratidzira kuri kuitika muAmerica zvichitevera kushaya kwaVaGeorge Floyd koramba kuchienderera mberi

Zvikwata zve Black Rhinos neCranborne Bullets zvosiyana neHarare zvakananga kumaguta madiki uko zviri kutarisira kuwana vatsigiri vakawanda kudarika vashoma-shoma vanga vachiuya kuzoona mitambo yazvo muHarare.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa gakava riri kuitika muMDC zvichitevera kutorwa kwemuzinda webato iri nechikwata chinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG