Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 04, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pamazana maviri nemakumi maviri nevaviri zvichitevera kuwanikwa kwevamwe gumi nevatanhatu vakabva kunze kwenyika vaine chirwere ichi nezuro, izvo zvaita kuti imwe nyanzvi mune zvehutano ikurudzire kuvhenekwa kwechimbichimbi kwevanhu vari kubva kunze kwenyika vachangopinda munyika, kwete kumirira kuti vambogara munzvimbo dziri kuchengeterwa varikubva kunze.

Bhanga guru renyika rinoudza komiti yeparamende kuti peturu iri kutengwa munyika inokwanira nyika, asi huori ndihwo huri kuvhiringa zvinhu.

Hurumende yopumha huori masangano akazvimirira nenyika dzekunze pamusoro pekutochwa kunonzi kwakaitwa madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Asi mutauriri weMDC, Muzvare Fadzayi Mahere, vanoti panovafinrwa kuva nevaongorori vakazvimiria vanofanirwa kuferefeta kupambwa nekutochwa kwemadzimai ebato ravo.

Zimbabwe neAmerica dzotatsarana nenzira inogona kuvhiringidza hukama hwenyika mbiri idzi.

Kuratidzira kuri kuitika muAmerica zvichitevera kushaya kwaVaGeorge Floyd koramba kuchienderera mberi

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG