Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava mazana maviri nevatanhatu, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.
Imwe nyanzvi munyaya dzehutano inoti zvakakosha kuti hurumende isimbaradze kuvhenekwa kwevanhu vangadai vakasangana nevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19, zvikuru vari kubva kunze kwenyika vari kugariswa munzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vasati vabvumidzwa kuenda kumisha yavo.
Nyaya iri kupomerwa gweta rinomirira mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, VaThabani Mpofu, inopinda mudare ramajesitireti muHarare, Amai Beatrice Mtetwa, vari gweta guru panyaya iyi.
Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rokurudzira vashandi kuti varambe kutambira mihoro inouya ari madhora emunyika richiti mari iri haina zvaichabatsira nazo.
Kuratidzira kuri kuitika muAmerica zvichitevera kushaya kwaVaGeorge Floyd koramba kuchienderera mberi
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvzrwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva iyo pasi rose rakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum