Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 02, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava mazana maviri nevatatu, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.

Mapurisa nemasoja anorambidza vanhu vakawanda kusanganisira vaotori venhau kupinda muguta reHarare achiti ari kuchengetedza mutemo we Covid-19 lockdownano.

Hutungamiri hweNational Standing Committee yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa hunoita musangano wechimbi chimbi muHarare.

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, rinonyorera hurumende tsamba yenyunyuto pamusoro pekwarinoti kusavepo kwegadziriro yakakwana yekudzivirira kupararira kweCoronavirus muzvikoro kuitira kuti zvikwanise kuvhurwa kuti vana vanyore bvunzo dzepakati pegore dzeOrdinary neAdvanced Level, idzo dzinofanirwa kutanga kunyorwa musi wa 22 Chikumi kusvika musi wa 19 mwedzi unouya.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende inofanirwa kubvumidza vanhu kushandisa dhora rekuAmerica nekuti zvave pachena kuti matanho ari kutorwa neReserve Bank of Zimbabwe ekuda kusimbaradza dhora remunyika ari kukundikana uye zvinhu zvave kudhura zvakanyanya.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki panguva iyo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG