Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 29, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi, votarisirwa kupa mutongo wavo panyaya yakapinzwa mudare iri nenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzichida kuti MDC-T imise kudzinga muparamende nhengo dzakapinda mudare dzichishandisa MDC Alliance.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hunokwira kusvika pazana nemakumi mana nepfumbamwe, panguva iyo vanachiremba pachipatara cheGweru Provincial Hospital vanobudirira kusunungutsa mudzimai aive nepamuviri ane chirwere cheCovid-19, muchiitiko chinove chekutanga muZimbabwe.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakanga zvashanya kuUnited Arab Emirates zvokumbira rubatsiro kuhurumende kuti zvidzoke kumusha zvichitevera kuvhiringwa kwakaitwa hurongwa hazvo neCovid-19

Mutambi wenhabvu akambotambira chikwata cheAmazulu, Dynamos, neZimbabwe, Lloyd Hlahla, anoti vatambi venhabvu havafanire kukanganwa kukosha kwedzidzo yemuchikoro senzIra yekugadzirira hupenyu hwavo hwamangwana kana zvenhabvu zvapera.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCovid-19 pamwe nezvabuda mudare rapa mutongo waro pagakava riri muMDC.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG