Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 28, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Madzimai matatu eMDC anoti akapambwa akatochwa ari mumaoko emapurisa, akazosungwa zviri pamutemo marimwe zuro, apihwa nedare redzimhosva mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita chiuru chimwe chete chemadhora emuZimbabwe pamunhu, uye anzi azviise kumapurisa kamwe chete pamasvondo maviri ega ega.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo pamwe nekodzero dzevanhu dzozeya zviri kuitika pamadzimai matatu eMDC ari kurapwa ari muhusungwa ari muchipatara chemuHarare umo akachengetedzwa nemaghadhijeri mapfumbamwe pamusoro pezvo paine mapurisa zvakare akavachengetedza.

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwasvika pazana nemakumi matatu nevaviri, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.

Mapurisa anozara muChinhoyi nemamwe maguta achirambidza vanhu vasina mvumo yekupinda mukati meguta.

Gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti hurumende yakagadzirira kuita hurukuro dzeTripartite Negotiating Forum nevashandi svondo rinouya kuitira kuti kuzeyiwe nyaya yemihoro mushure mekukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu nekuda kwekushaya simba kwedhora remunyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG