Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 27, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 27, 2020

Madzimai matatu eMDC anoti akapambwa akatochwa ari mumaoko emapurisa anomiswa mudare redzimhosva ragadzwa zvechimbi chimbi nehurumende pachipatara pari kurapwa madzimai aya vachuchisi vehurumende vachiti madzimai aya anofanirwa kuomeserwa nemutemo sezvo vakapara mhosva hombe.

Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu, oshora zvikuru kusungwa kwakaitwa madzimai matatu eMDC ari kurapwa muchipatara.

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwasvika pamakumi matanhatu nevatatu, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.

Varimi vochema chema zvikuru nekubirwa kwavari kuitwa zvirimwa zvavo apo vanenge vakagara mudzimba dzavo vachitevedzera mutemo weCovid-19

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro neimwe nyanzvi munyaya dzehutano, iyo inoti kuvhurwa kwemamwe matunhu muAmerica pamwe nedzimwe nyika kunoreva kuti matunhu aya akatanga atora matanho ekuona kuti chirwere che Cvoid-19 hachizopararire apo vanhu vanenge vosangana mumabasa nemuzvitima.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvezvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG