Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 26, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vatori venhau, Frank Chikowore naSamuel Takawira, vanobvumidzwa kubvisa mari yechibatiso inoita mazana mashanu emadhora emuZimbabwe pamunhu kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Imwe nhengo yevechidiki veMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Lovejoy Chitengu, asungwa nemapurisa nhasi mangwanani muHarare.

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vachiri makumi mashanu nevatanhatu, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.

Dare repamusoro reHigh Court rinorasa chikumbiro chekambani yeEcoCash chekuti ribvumidze kushanda zvakare kwezviuru zvevanhu vanoita zvekufambiswa kwedzimari vachishandisa nharembozha idzo dzakanga dzavharisirwa nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe kutanga kwemwedzi uno paine fungidziro yekuti vanhu ava ndivo vari kukuchidzira musika mutema.

Dhora remuZimbabwe riri kuramba richishaya simba zvakanyanya kubva bhanga guru renyika zvarakazivisa kuti rainge rounza mari itsva dzemadhora gumi nemakumi maviri svondo rapera izvo zviri kupa kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru.

Varimi vakawanda munyika vochema chema zvikuru nekubiwa kwavanoti kuri kuitwa zvirimwa zvavo munguva ino yeLockdown

Chikwata chenyika chemutambo weNetball chave nakaputeni mutsva, Felistus Kwangwa

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG