Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 22, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava makumi mashanu nemumwe chete, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.

Mapurisa anosunga vatori venhau vaviri apo vanga vachitaura nemumwe wemadzimai anoti akatochwa ari mumaoko emapurisa, uye ari mumiriri weHarare West, Muzvare Joanna Mamombe.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anonyora gwaro renyunyuto kumukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, pamwe negurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, achiti haasi kufara nemabatirwo akaitwa madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ayo ari kurapwa muHarare, pamwe nekusungwa kwevatori venhau vaviri nhasi vachiita basa ravo.

Masangano anomirira varairidzi anobatana mukuramba kutambira hurongwa hwehurumende hwekuti bvunzo dzepakati pegore dzeOrdinary Level neAdvancede Level dzinyorwe mwedzi unouya, achiti panofanirwa kutanga patorwa matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19 muzvikoro.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuUnited Arab Emirates nedzimwe nyika zvochema chema zvichiti zvinoda kuti zvidzoserwe kuZimbabwe sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika zvadziri kugara nepamusana pededambudziko re coronavirus iyo yavhiringa pasi rose.

Varimi vakawanda munyika vochema chema zvikuru nekubiwa kwavanoti kuri kuitwa zvirimwa zvavo munguva ino yeLockdown

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekutochwa kwemadzimai matatu eMDC, kutyorwa kwekodzero dzevatori venhau, pamwe nezviri kuitika munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG