Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 20, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Nhengo yeZanu PF, VaAbsolom Sikhosana, vanovigwa kuHeroes Acre muHarare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzira vanhu kuti vasaratidzire munguya ino yeCovid-19 vachiti kuita izvi kunoisa vamwe vanhu munjodzi.

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, vanoti VaMnangagwa havasi kuratidza hutungamiri panyaya iri kupomerwa mapurisa nevasori yekuva nechekuita nekupambwa kwenhengo dzevechidiki nhatu dzebato ravo vachidzokorora kuti zviri kuitika muZimbabwe zvave kuda kuti United Nations ipindire.

Bazi rezvedzidzo yepasi rinoudza komiti yeparamende inoona nezvedzidzo kuti rinoda mari inoita mabhiriyoni makumi maviri nerimwe emadhora emuZimbabwe kuitira kuti bazi iri riite zvose zvinodiwa zvinodzivirira kupararira kwehutachiona hwe coronavirus kuitira kuti vadzidzi vaite zvidzidzo zvavo zvisina njodzi mukati.

Dzimwe nhengo dzechitendero cheIslam idzo dziri pakati pemwedzi wekutsanya weRamadan dzinoti kunyange dzisiri kuungana nekuda kwechirwere cheCovid-19, dziri kutora mukana uyu kuverenga bhaibheri radzo reQuran dziri mudzimba.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvinofa mushure mekurohwa zvakaipisisa nevamwe varimi kuuBotswana zvichipomerwa mhosva yekuba mbudzi, zvimwe zviviri ndokuitwa kafiramberi.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana pamwe nekuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi time hurukuro nemumwe mukoti akazvipira kusiya basa rake kwaaive achishandira, achienda kunobatsira kuNew York uko chirwere cheCovid-19 chadzika midzi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva iyo pasi rose riri kurwisana nechirwere cheCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG