Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 15, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava makumi matatu nevasere, uye vafa nechirwere ichi vachiri vana munyika yose, uye vapona kubva kuchirwere ichi vari gumi nevatatu.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanokurudzira nyika dzepasi rose kuti dzipindire muZimbabwe sezvo hurumende iri kuenderera mberi nekutyora kodzero dzevanhu munyika. VaChamisa vataura mashoko aya mushure mekushanyira muchipatara nhengo nhatu dzebato ravo dzakapambwa kuWarren Park marimwe zuro, asi dzikazowanikwa dziri kuBindura.

Asi hurumende inoti haisi kuziva zvakaitika kunhengo dzevechidiki dzeMDC dzakapambwa idzi

Mutambi akamboita mukurumbira munyika, Dan Jimu, anoti nyaya yemari nehuori ndiyo iri kuuraya nhabvu munyika

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kupambwa kunonzi kwakaitwa madzimai matatu eMDC ayo akazowanikwa ari kuBindura uye pari zvino ari kurapwa muchipatara chemuHarare.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG