Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 13, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vabata nechirwere cheCovid-19 vava makumi matatu nevanomwe, uye vafa nechirwere ichi vachiri vana munyika yose.

Vanhu vasungirwa nyaya yekutyora mutemo weCovid-19 Lockdown vadarika zviuru makumi maviri nezvitanhatu.

Vechidiki voshambadza mashoko edzidziso pasi pesangano rePlatform for Youth Development kumaruwa vachiti hurumende haisi kupa dzidziso pamusoro pehutachiona hwe coronavirus, uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaPeckson Paul Kazingizi, vari ku Birmingham kuBritain, avo vakapona kubva muchirwere cheCOVID-19.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa zvinoumba sangano reZimbabwe United for Progress iro rakanangana nekubatsira vanhu vakapinzwa mumatambudziko nechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa che LiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva iyo pasi rose rakaputirwa nedambudziko re Coronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG