Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 12, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vabata nechirwere cheCovid-19 vava makumi matatu nevanomwe, uye vafa vachiri vana munyika yose.

Nhengo dzeparamende dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chmaisa dziri mukomiti yezvehutano hadzina kuenda kumusangano wekomiti iyi dzichiti hadzisi kuzodududza padanho radzo rekusaenda kuparamende kunoita basa zvichitevera kudzingwa kwakaitwa nhengo ina dzebato iri muparamende.

Asi Zanu PF inoenderera mberi nemusangano wekomiti yeparamende inoona nezvehutano sezvo iine nhengo dzinobvumirwa nemitemo yeparamende kuti dziite musangano kunyange hazvo nhengo dzeMDC dziri mukomiti iyi dziri kuramwa.

Makanzura eMDC inotungamirwa naVaChamisa kuChinhoyi osainiswa mafumo anoratidza kuti achange achiremekedza pamwe nekuita zvose zvinenge zvataurwa nemutungamiri webato iri.

Hupfumi hwenyika hwovhiringidzwa nekushaya zvekufambisa zvakakwana kuitira kuti vashandi vakabvumidzwa kudzokera kubasa vakwanise kusvika kumabasa avo nyore.

Muchirongwa che The Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki panguva iyo nyika iri mu National Lockdown.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG