Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 07, 2020


Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vachiri makumi matatu nevana, uye vafa nechirwere ichi vachiri vana, asi huwandu uhu hunogona kukwira kana kusakwira nhasi Manheru apo hurumende ichaburitsa zviri pamutemo zvayawana nhasi.

Studio7 inotaura nemunhu akabuda mudambudziko rechirwere cheCovid-19, uyo anoti ari kunzwa zvakanaka chose pamwe nemhuri yake.

Sangano reZimbabwe Nurses Association rinoti harisi kuwirirana nedanho rekuti vakoti vadzokere kubasa kudzamara zvinhu zvavari kuda kuti zviitwe, zvagadziriswa

Komiti yepamusoro soro yehutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yazivisa zvakare nhasi kuti nhengo dzose dzeparamende dzebato iri dzinofanira kumbomira kuita basa reparamende senzira yekuratidza kusafara kwebato iri nekudzingwa kwakaitwa dzimwe nhengo ina dzebato pazvigaro zvadzo muparamende.

Kanzuru yeChinhoyi iri kumanikidza vanhu vakawanda vanoshandisa zvivakwa kutengesa zvinhu zvavo kuti vatange vapedza kubhadhara mitero kukanzuru iyi kuitira kuti vapihwe mvumo yekushandisa zvivakwa zvavo. Vanhu ava vakanga vapihwa mwedzi mina kuti vabhadhare marezenisi mushure mekunge vasvitsa zvichemo zvekuti vabhadhare mari iyi pashoma nepashoma. Nunurai Jena anotipa nyaya
inotevera.

Masachigaro eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa neZanu PF mudunhu reNorth America otashurana pamusoro pemakakatanwa ari kuitika pakati paMuzvare Thokozani Khupe naVaChamisa.

Muchirongwa che Women’s RoundTabls na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika muvanhukadzi panguva iyo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG