Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 05, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Nhengo ina dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzinoti; Muzvare Thabitha Khumalo, VaProsper Mutseyami, VaChalton Hwende pamwe naAmai Lilian Timveos vadzingwa muparamende nhasi mushure mekunge bato reMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokazani Khupe razivisa paramende kuti nhengo ina idzi dzidzingwe muparamende.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya kudzingwa kwaitwa muparamende kwenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaChamisa.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nedzehutano dzinoti hurumende haina kuratidza kurongeka payakati mamwe mapazi ezvehupfumi munyika avhurwe dzichiti izvi zvichaita kuti zvinhu zvishate munyika sezvo zvinhu zvisina kujeka.

Vanotengesa zvinhu mumigwagwa vochema chema zvikuru vachiti hurumende inofanirwa kuvabvumidzawo kuti vadzokere pamabasa avo sezvo vachirarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa uye vanhu ava vakawanda kudarika vanhu vanoenda kumabasa.

Muchirongwa che The Connection na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus takatarisa zviri kuitwa nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG