Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 30, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe vave makumi mana, sekuziviswa kwazvakaitwa nehurumende nezuro manheru, uye vanhu vafa nechirwere ichi, vachiri vana.

Kanzuru yeguta reGweru inoti haikwanisi kudzikisa mitero yayakakwidza nepamusana pekuti makanzura haakwanise kusangana pari zvino nekuda kwechirwere checoronavirus. Asi vagari vanoti uku kuvanda nemunwe.

Vanorwira kodzero dzevanhu vochema zvikuru nekutyorwa kuri kuitwa kidzero dzevanhu nemapurisa nemasoja munguva ye National Lockdown.

Vakoti vanoshandira kanzuru yeguta reHarare voita basa ravo zvishoma nezvishoma vachinyunyuta nenyaya yekuti havasi kupihwa mari ye risk allowance panguva iyo vari kushanda vachirwisa chirwere cheCovid-19.

Hurumende yeBritain inozivisa kuti ichabhadhara mari inoita zviuru makumi matanhatu zvemapaunzi kumhuri dzavanamukoti nevamwe vari muboka rezvehutano vanoshaya vari pamabasa zvichikonzerwa neCovid-19, gurukota rezvehutano, VaMatt Hancock, vachiti hurumende yavo ine chikwereti chikuru kuvanhu ava nekuzvipira kwavo kushanda munguva yakaoma kudai.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG