Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava makumi matatu nevaviri, sekuziviswa kwakaitwa nehurumende nezuro manheru, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana.
Vakoti vanoshandira kanzuru yeguta reHarare voita basa ravo zvishoma nezvishoma vachinyunyuta nenyaya yekuti havasi kupihwa mari ye risk allowance panguva iyo vari kushanda vachirwisa chirwere cheCovid-19.
Vagari vekuEpworth vomanikidzwa kutanga vatenga chingwa nemabhanzi kana vachida kutenga hupfu.
Masangano evarairidzi, anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, neZimbabwe Teachers Association ari kukurudzira hurumende kuti ione kuti panovhurwa zvikoro varairidzi nevadzidzi vakadzvirivirwa kubva mukutapuriranwa kwehutachiwana hwe coronavirus kuburikidza nekuisa michina yekuti vakwanise kuongororwa kuti vane hutachiwana here kana kuti kuti muzvikoro zvose uye kuti muve nezvikwanisiro zvekudzivirira chirwere ichi.
Mitengo yezvinhu yoramba ichiita chamurambamhuru kukwira ukuwo dhora remunyika richiramba richipera simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica
Chirwere cheMalaria chonetsa zvikuru mudunhu reMashonaland West.
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum