Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 24, 20


Nhau DzeShona Studio7
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCoronavirus hunosvika pamakumi maviri nevapfumbamwe, sekuziviswa kwazvakaitwa nehurumende nezuro manheru.
Vagari vekuMasvingo vanoshamiswa nekukwira kwakaita mutero wemvura, vamwe vachibhadhariswa mari inosvika zviuru zviviri zvemadhora pamwedzi
Hurumende yobatsira vechidiki nehomwe yemari ichashandiswa mukubatsira mabhizinesi avo ari kuvhiringwa neCoronavirus.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti dziri kushushikana nedanho rakatorwa nehurumende yeSouth Africa rekubatsira chete zvizvarwa zvenyika iyi zviri kuvhiringwa neCovid-19 panguva iyo zvizvarwa zvedzimwe nyika zviri kubhadhariswa mitero nehurumende sezvo zvichishanda nekugara zviri pamutemo munyika iyi.
Sangano rinoona nezvenhabvu munyika, re Zimbabwe Football Association, rinoti harikwanisi kunge ragadzirisa nhandare dzeNational Sports stadium ne Barbourfields stadium musi wa 15 Chikumi usati wasvika, apo pachaitwa ongororo yenhandare idzi neConfederation of African Football.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG