Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 23, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCoronavirus hunosvika makumi maviri nevasere, uye vafa nechirwere ichi vari vanhu vana.

Hurumende inoshandisa mutemo unobata nyaya dzehutano mukuisa zvose zvine chekuita nehutano mumaoko ayo panguva iyo hurumende pachayo iri kutatarika kugadzirisa zvinodiwa nebazi rezvehutano

Vakaremara vanoti vari kuomerwa nehupenyu panguva iyo nyika yakavharwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nemagariro evanhu dzinoti hadzitambire mutemo wakatarwa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, wekuti zvizvarwa zvemu South Africa chete ndizvo zvichawana rubatsiro kubva muhomwe yavakaparura yemazana mashanu emabhiriyoni emarhanzi panguva iyo South Africa yakavharwa nekuda kwechirwere cheCoranavirus

Varimi votambira nemufaro mitengo mitsva yakatarwa nehurumende asi vachinyunyuta nerekuti kupera kuri kuita simba remari yemunyika, kunoita kuti zvinhu zvivaomere

Muchirongwa cheWomen's RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wav

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG