Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 22, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCoronavirus muZimbabwe hunosvika pavanhu vana uye vabatwa nechirwere ichi vava makumi maviri nevasere.
Mapurisa anoti ari kushushikana nehuwandu vari kupihwa mvumo yekuti vabude mudzimba dzavo izvo zvava kuita kuti vanhu vazare mumaguta panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCoronavirus, icho chauraya vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi manomwe nezvisere pasi rose.
Vamwe vabereki vakawanda nevana vavo vachiri kuita zvidzidzo voomerwa nehurongwa hwekuti zvidzidzo izvi zviitirwe paindaneti sezvo vazhinji vayo vasingakwanise kuwana mari inodiwa kutenga makombiyuta pamwe nemari yedhata rinodiwa kushandisa paindaneti.
Sangano reZimbabwe Council of Churches robatsira vagari vemumaguta nechikafu panguva iyo nyika yakatarisana nenzara inotyisa uye vanhu vasingabvumidzwe kubuda mudzimba dzavo nekuda kweCovid-19
Studio7 inotarisa zvakadzama kuti chirwere cheCovid-19 chiri kuzvhiringa zvakadii zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus takatarisa zviri kuitika kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG