Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 21, 2020.


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus muZimbabwe hunosvika pavanhu makumi maviri nevashanu, vafa vari vatatu, sekutaura kwakaita hurumende nezuro manheru.

Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheMalaria hunodarika zana nemakumi mashanu nevaviri, uye vabatwa nechirwere ichi vachidarika zana nemakumi manomwe ezviuru

Mumiriri weMutasa South mudare reNational Assembly, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaRegai Tsunga, vanosungwa nemapurisa apo vanga vachigovera vanhu vanoda chikafu mudunhu ravo..

Kanzuru yeHarare inoenderera mberi ichiputsa misika inotengeserwa zvinhu nevanhu zvisiri pamutemo senzira yekuchenesa nzvimbo dzakawanda muguta iri kuitira kuri chirwere cheCovid-19 chisapararire.

Studio7 inotarisa zvakadzama kuti chirwere cheCovid-19 chiri kuparadza zvakadii hupfumi hwenyika

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuChina, VaTinotenda Chiguvare, vanoti vari kufara zvikuru nezviri kuitwa neChina mukurwisa chirwere cheCoronavirus munyika iyi.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus takatarisa kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG