Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 17, 2020.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus muZimbabwe hunosvika pavanhu makumi maviri nevana, vafa vari vatatu, sekutaura kwakaita hurumende nezuro manheru.
Vakaremara voendesa nhepfenyuro yenyika, yeZimbabwe Broadcasting Corporation kumatare vachiti nhepfenyuro iyi haisi kuvapa dzidziso yakakwana panyaya yechirwere cheCovid-19
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvinoti zviri kushungurudzwa zvikuru nemapurisa emunyika iyi munguva yeLockdown, uye zvimwe zvichidzingwa munyika iyi kunyange pasina mhosva dzazvinenge zvapara.
Zimbabwe inosvitsa makore makumi mana nyika yawana kuzvitonga vakawanda vachiti hurumende iri kutadza kuzadzisa zvinangwa zvakaenderwa kuhondo yerusununguko, uye zuva iri richisvika rwendo rwuno vanhu vasingabvumidzwe kubuda mudzimba dzavo nepamusana pechirwere cheCovid-19.
Studio7 inotarisa nhoroondo yemitambo yenyika kubva nyika yawaka kuzvitonga muna 1980

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG