Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 15, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 15, 2020
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus muZimbabwe hunosvika pavanhu gumi nevasere, vafa vari vatatu, uye vanhu mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevashanu vakaongororwa chirwere ichizvekudzivirira chirwere ichi.
Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti danho rekuwedzera kana kusawedzera mazuva ekuti nyika irambe yakavharwa richanetsa kutora sezvo vanhu vazhinji munyika vasati vaongororwa kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete.
Hurumende inoti yave kutora matanho matsva ekuti vanhu vakawanda vaongororwe, zvikuru munzvimbo dzakabatwa vanhu chirwere cheCovid-19.
Vashandi vakawanda mumapazi ehurumende vanonzi vari kushanda vasina zvinhu zvinovadzirira kuchirwere cheCoronavirus.
Studio7 inotaura nemumwe akabatwa neCovid-19 anga achirapwa, uyo anoti ava kuita zviri nani mushure mekutevedzera zvaakakurudzirwa kuita navana chiremba
Vamwe vagari vemuGweru vanoti vakahadzika zvikuru uye vari kutsutsumwa nekukwidzwa kwakaitwa mitero nekanzuru zvisinei kuti kanzuru yaive yati ichakwidza mitero iyi zvishoma nezvishoma.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus takatarisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short W

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG