Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 28, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mumiriri weWorld Health Organization muZimbabwe, Dr Alex Ntale Gasasira, vanoti Zimbabwe yakagadzirira zvikuru kudzivirira chirwere cheCoronavirus icho chanetsa munyika dzakaita seChina.

Gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vanoshoropodza zvikuru zviri kuitwa kumahofisi ekwa Registrar General muChinhoyi zvokubhadharisa kaviri vanhu vari kubhadhara mari yekuAmerica kuitira kuti vawane mapasipoti.

Sangano reInternational Labour Organization rinokokera musangano pakati pevashandirwi nevashandi kuVictoria Falls, sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions richiti nhaurirano pakati pevashandi nevashandirwi ndidzo chete dzinopedza kusawirirana kuri kuitika munyika munyaya dzehupfumi.

Nhasi Studio7 inotarisa zvakadzama mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu mudunhu reMashonaland West

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvakadzidzwa nevechidiki kubva kuna muchakabvu, Oliver Mtukudzi, munyaya dzemimhanzi. Mtukudzi akashaya gore rapera mwedzi uno wa Ndira.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG