Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 24, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inoumba komiti yekuongorora kuti hupfu huri kutengeswa zvakajeka panguya iyo nyika inoti yasarirwa nematani zviuru zana zvechibage icho chinonzi chinokwanira nyika kwemwedzi mumwe chete.

Dare redzimhosva rinoudza mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, kuti vadzosere vana vatatu kumudzimai wavo wavari kurambana naye, Marry Mubaiwa.

Hurumende yoita musangano nevashandi vayo wekuzeya mihoro pasi pehurongwa hwe National Joint Negotiating Council.

Komiti yakaumbwa nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, yekuona kuti nhengo dzabato iri dziri mumakanzuru, paramende nemamwe mapazi ehurumende dzaita basa zvakajeka uye pasina huwori, yeAccountability and Integrity Panel, yazivisa kuti ichatanga basa rayo nekuongorora kanzuru yeHarare.

Kutongwa kwemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kunoenderera mberi mudare reSenate.

Dambudziko rekushaikwa kwemvura rovhiringawo mabhizinisi madiki muguta reBulawayo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi, zvikuru nyaya yenzara yabata vanhu vanosvika mamiriyoni masere.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG