Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 23, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Sachigaro weZimbabwe Anti Corruption Commission, Amai Loice Matanda Moyo, vanoti havasi kufara nezviri kuitika zvekuti kana vakasunga vanhu vane mhosva dzavakapara, vanhu vacho vari kupedzisira vabviswa muhusungwa. Amai Matanda Moyo vataura mashoko aya pahurongwa hweTransparency International hwaitwa muHarare nhasi.

Mhirizhonga yakanangana nezvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa inotanga zvakare mumusha we Diepsloot uri kumaodzanyemba kweguta reJohannesburg kuSouth Africa kwakare

Kunyange hazvo vana chiremba vava kudzokera kubasa, varwere vakawanda muzvipatara zvehurumende vanoti vari kutora nguya yakareba vasati vaonekwa navana chiremba ava.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya mashoko emutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, ekuti kana nhaurirano dzoitwa, vakuru vemauto vanofanirwawo kupinda madziri

Makanzura eguta reMasvingo onetsana negurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, avo vari kuda kuti mimwe migwagwa yeguta iri itumidzwe mazita emagamba eZanu PF. Izvi zvaifanirwa kunge zvakaitwa musi weChipiri usati wapfuura, asi makanzura eMDC akatsika madziro.

Kutongwa kwemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kunoenderera mberi mudare reSenate.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG