Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 22, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Sangano ravana chipangamazano, reZimbabwe Democracy Institute, rinoburitsa ongororo yaro inoratidza kuti chirongwa che Command Agriculture chiri kuitwa pachizivano munyaya dzematongerwo enyika, uye sangano iri riri kukurudzira kuti mauto abviswe muchirongwa ichi.

Makanzura eguta reMasvingo onetsana negurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, avo vari kuda kuti mimwe migwagwa yeguta iri itumidzwe mazita emagamba eZanu PF. Izvi zvaifanirwa kunge zvakaitwa nezuro, asi makanzura eMDC akatsika madziro.

Kutongwa kwemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kunoenderera mberi nhasi mudare reSenate.

Sangano reZimbabwe Community in South Africa roronga kusangana nemapurisa emunyika iyi richiakurudzira kuti arwise zvakasimba kuparwa kwemhosva idzo dzinonzi dziri kuparwa zvakanyanya nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Mhuri yenhabvu muZimbabwe yoita chivimbo chakasimba chekuti chikwata chemaWarriors chichabudirira mumakwikwi e 2022 World Cup zvichitevera mubatanidzwa wezvikwata wakaitwa neveConfederation of African Football nezuro

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuSouth Africa uko kunonzi kuri kuparwa mhosva dzakawanda nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG