Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti gore ra2020 igore rekuratidzira zvakasimba kuchaitwa nebato ravo vachiti kuratidzira uku kuri pamutemo sezvo kuchichengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika.
Dunhu reZanu PF kuMashonaland West rinoita musangano waro we Provincial Executive Committee muChinhoyi uyo uri kuzeya zvinhu zvakawanda kusanganisira remangwana revaimbove gurukota revashandi, Amai Prisca Mupfumira, pamwe nekushandiswa kwedzimotokari dzebato zvisiri pamutemo.
Mumiri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vanoita hurukuro nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi.
Mutongamiri weAmerica, VaDonald Trump, votanga kutongwa nhasi zviri pamutemo nedare re Senate pamhosva mbiri dzavari kupomerwa nedare House of Representatives.
Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers rinoti kushaikwa kwehupfu nekutengeswa kwaho pamukoto mucherechedzo mukuru wekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika.
Dare repamusoro soro rinopa mutengo unosungira vanhu nemakambani vakakwereta mari iri yemadhora ekuAmerica kuti vadzosere mari iyi ari ma bond notes. Mutongo uyu wakonzeresa kugeda geda kusina kunaka munyaya dzehupfumi.
Zimbabwe yotarisirwa kuita musangano weAfrica Regional Forum on Sustainable Development Goals mwedzi unouya sangano reUnited Nations Economic Commission for Africa richiti Zimbabwe imwe yenyika dzemuAfrica dziri kutatarika kuzadzisa zviga zvechirongwa ichi.
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muzvikoro munyika yose pamwe neremangwana revadzidzi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum