Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 17, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anosvika pamuzinda weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa achisecha mahofisi aya.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vava kudududza panyaya yavo yekurambana nemudzimai wavo, Marry Mubaiwa, vachiti nyaya iyi ngaichiperera kunze kwematare mushure mekunge mudzimai wavo afukura hapwa mumagwaro aakaisa mudare.

Varairidzi vekumaruwa vanoti vari kuomerwa nehupenyu sezvo mari dzavari kutambira dziri shoma pazvinhu zvavanoda kuti vararame nemhuri dzavo dzinogara kunze kwenzvimbo dzavanodzidzisa.

Vagari vekuShurugwi mu Ward 11 vochema chema nekushaya mvura inovakwanira sezvo zvibhorani zvizhinji zviri mudunhu iri zvisiri kushanda

FC Platinum yotungamira mukutenga vatambi vari kubva kune zvimwe zvikwata senzira yekusimbaradza chikwata ichi mumwaka wenhabvu gore rino.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kudeuka kuri kuita ropa munyika kuchikonzerwa nevanhu vari kuzivikanwa nerekuti Mashurugwi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG