Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 10, 2020.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Masangano evashandi vehurumende anoita musangano wechimbi chimbi nehurumende wekuzeya matambudziko akatarisana nevashandi avo vari kuti havachakwanisi zvachose kuenda kumabasa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosendeka zororo ravo parutivi kuitira kuti vapinde mumusangano wavo nezvipangamazano zvavo.

Vasina pekugara kuMasvingo vobatsirwa nevane tsiye nyoro nemari inosvika makumi mashanu ezviuru zvemadhora ekuAmerica.

Vamwe vagari vekuMashonaland West vochema chema kuti vari kupihwa chikafu chishoma chisiri kuvakwanira ivo nemhuri dzavo.

Chikwata cheFC Platinum chatarisana nekukunda kana kubuda mumakwikwi eCaf Champions League apo chiri kusangana ne Al Ahly yeku Egypt mangwana muBarbourfields Stadium

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvichabuda mumusangano wehurumende nevashandi vayo avo vari kuti havachakwanisi zvachose kuenda kumabasa sezvo mari yavari kutambira iri shoma zvikuru.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG