Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vari panyanga pari zvino, vorambidza mudzimai wavo, Marry Mubaiwa, kuti vagare pamba pavo kuBorrowdale Brooke sezvakatarwa nedare repamusoro.
Bhanga reAfrican Development Bank rinobatsira Zimbabwe nemamiriyoni gumi nezviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica ekubatsira kusimbaradza nyaya dzekubadharawa kwemitero pamwe nekuvandudza mashandire eparamende nemahofisi aAuditor-General mukuongorora mashandisirwo anoitwa mari dzehurumende.
Komisheni inoona nezvenhau yeZimbabwe Media Commission yazivisa kuti ichambomira kupa mazeresi kuvatori venhau ichitsvaga nzira dzaingashandisa kunyoresa vatori venhau izvo zvashorwa nemasangano anomirira vatori venhau munyika
Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinopedza kongiresi yaro richibuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganisira kusaenda kunodzidzisa panovhurwa zvikoro.
Makorokoza, ayo avakudaidzwa nerekuti Mashurugwi, oshayisa vanhu mufaro munyika mapurisa achiti ari kuomerwa nebasa rekuunza runyararo munzvimbo dziri kudeurwa ropa nevanhu ava.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa dambudziko rakatariswa nevabereki panguva iyo zvikoro zviri kuvhurwa svondo rinouya
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum