Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 8, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatanga zororo ravo repagore nhasi uye vatevedzeri vavo vachange vachichinjana kubata matomhu pamavhiki matatu VaMnangagwa vanenge vari pazororo.

Hurumende inobvuma kuti ine hurongwa hwekuvandudza bumbiro remitemo yenyika, kuitira kuti anenge achida kuita mutungamiri wenyika asamanikidzwe kudoma mutevedzeri wake wekuti ange achikambena naye chigaro chemutungamiri wenyika pamwe nekuwedzera makore evatongi vematare edzimhosva vasati vaenda pamudyandigere.

Komiti yeparamende inoona nezvemigodhi inobuda nechisungo chekuti paferefetwe nyaya yekuurayana kuri kuita vanhu vari kuchera goridhe munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Vamwe vagari vekuMashonaland West vanoti vari kunyimwa chibage chinobva kuWorld Food Program, panguva iyo vanhu vakawanda munyika vakatarisana nenzara.

Sangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoita kongiresi yaro muGweru.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mutemo wemuSouth Africa unobata vapoteri uyo wakatanga kushanda mwqedzi uno..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG