Hurumende yoyambira kuti vanhu vose vanoshandisa mapanga vachikorokoza vachapfurwa nemapurisa.
Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti uku kutyora bumbiro remutemo wenyika.
Nyanzvi dzozeya nezvedambudziko rekushomeka kwemari mumabhanga kwasara zuva rimwe chete kuti vanhu vatambe kisimusi.
Sachigaro wekomiti inoona nezvehutano mudare reparamende Dr Ruth Labode vari kukurudzira kuti vanhu vagare havo kudzimba dzavo panguva yezororo yekisimusi negoredzva nokuti ndipo panonyanya kuita njodzi kana tsaona dzakawanda dzemabhazi nemotokari pamigwagwa.
Muchirongwa cheveChidiki kana kuti The Connection na8pm tiri kuzeya nezvezororo rekisimusi tichiita hurukuro nevechidiki vanotandadza vanhu Taffy The Man naNtando Van Moyo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.