Marry Mubaiwa, mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, votarisirwa kutamba zororo reKisimusi vari mujeri rekuChikurubi sezvo nyaya yavo yekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso isina kunzwikwa zvichitevera kukundikana kwehurumende kuuya kudare iri nemagwaro akakwana.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoita musangano mukuru muBulawayo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura kuvhurwa kwemugwagwa muNorton.
Gurukota rezvemabasa, Va Paul Mavhima, vanoti hurumende ine hurongwa hwemihoro yevashandi vayo uho ichazivisa munguva pfupi inotevera.
Asi masangano evashandi vehurumende anoti hazvina zvazvinobatsira kana hurumende ichikwidza mari dzechikoro uku ichiti ine hurongwa hwemihoro panguva iyo mitengo yezvinhu iri kuita chamuramba mhuru kukwira.
Zvikoro zvepamusoro soro zvokwidza zvakanyanyisa mari dzechikoro dzinobhadhara nevadzidzi.
Chikwata cheDynamos chabvumirana kusiisa basa vatambi vacho vakawanda vemwaka wa2019 sezvo chiri kuda kuvaka chikwata chitsva chemakundano e2020 Castle Lager Premier Soccer League.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzematongerwo enyika takatarisa zvinoreva rwendo rwekuZimbabwe rwakaitwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vari kutarisirwa kudzoka munyika mwedzi unouya.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.