Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 19, 2019

Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vari muBulawayo umo vari kuita musangano weNational Executive.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya zvinoreva rwendo rwevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vakasangana nevezvematongerwo enyika pamwe nevemachechi paine runyerekupe rwekuti vari kugadzira hwaro hwenhaurirano pagakava riri munyika

Hurumende yazivisa nhasi kuti zviri kunze kwemutemo kukwidza mari yechikoro nezvikamu zvinodarika makumi maviri kubva muzana pamwe nekumanikidza vabereki kutenga maunifomu pachikoro ichiti vabereki vakasunguka kutenga muzvitoro zvavanoda kana kuzvisonera mainifomu vega.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanopomerwa zviri pamutemo mhosva yekuzvidza dare reCongress pamwe nekushandisa masimba avo zvisiri izvo. Izvi zvava kureva kuti VaTrump vachatongwa nedare re Senate mwedzi unouya iro rinenge riine mukuru wevatongi vematare edzimhosva, ari sachigaro mukutongwa kwaVaTrump.

Sangano re Global Fund rinopa Zimbabwe mazana mashanu emamiriyoni emadhora ekuAmerica semari yekurwisa zvirwere zveMalaria, TB ne HIV kubva mugore ra 2020 kusvika 2023

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muBotswana zvochema nerekuti zviri kumanikidzwa kuti zvidzokere kuZimbabwe, uko zvinoti zvinhu hazvisati zvanaka munyaya dzematongerwo enyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi apo veruzhinji vakatarisana nezororo rekisimusi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

XS
SM
MD
LG