Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 12, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Musangano wepagore weZanu PF unopinda muzuva retatu mutungamiri webato iri, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachitarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano uyu managwana mushure memusangano weCentral Committee waitwa nhasi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvinoreva mashoko ari kubuda kumusangano weZanu PF uri kuitirwa kuGoromonzi.

Sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vechiki munyika, reNational Association of Youth Organisations, kana kuti NAYO, rinokurudzira veruzhinji kuti varwire kodzero dzavo dzekuti vawaniswe mvura yakachena uye inokwanira munhu wese sezvakatarwa mubumbiro remitemo yenyika.

Sangano reUnited Nations rinotara gore ra 2019 segore rekukurudzira vakwegura kuti vave nechekuita mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika, panguva iyo vakawanda vana sorojena vemuZimbabwe vari kuyaura nenhamo.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi takatarisana nezviri kuitwa nevanhukadzi panguva iyo nyika yatarisana nezororo reKirisimasi negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamas

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG