Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 06, 2019

Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe yatarisana nezara inotyisa panguva iyo vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vachida rubatsiro rwechikafu asi hurumende ichitadza kuisa mari yainotarisirwa kuisawo muhomwe yeWorld Food Program, sangano riri kubatsira Zimbabwe kupemha chikafu chekuti vanhu vadye kuzvika mumwaka wekukohwa gore rinouya.

Dambudziko rekushaikwa kwemafuta epeturu nedhiziri roramba richinetsa munyika vanhu vakawanda vachiswera vari mumitsetse pamagaraji vachida kutenga mafuta edzimotokari dzavo.

Zimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti iri kutadza kuita basa rayo nemazvo nepamusana pekuti komisheni iyi haina mvumo yekuenda kumatare edzimhosva nevanhu vainenge yasunga.

Mhuri yenhabvu muZimbabwe youngana pane imwe nzvimbo yekutandarira muHarare pamabiko ekupemberera vatambi gumi nemumwe chete vakaita mashiripiti gore rino, kusanganisira achatora mukombe we Soccer Star of the Year.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yenzara yatekeshera munyika hurumende ichinzi iri kutadza kuisa mari yainotarisirwa kuisawo muhomwe yeWorld Food Program iyo iri kupemera Zimbabwe chikafu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG