Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 04, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanachiremba vakuru vanoratidzira muHarare vachiti vari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro pamwe nekupihwa zvikwanisiro zvekuti vaite basa ravo nemazvo. Madhokotera aya anotiwo nhuna dzavavanachiremba vadiki dzinofanira kugadziriswa nekukasika kuitira kuti vakwanisewo kuita basa ravo zviri nyore.

Nhaka yakasiyiwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yokonzeresa mutauro vanhu vakawanda vachiti hupfumi hwaziviswa kuti ndiho hwakasiyiwa naVaMugabe hunofanirwa kuva huri hushoma pahupfumi hwakasiyiwa naVaMugabe avo vakashaya muna Gunyana.

Mari yekutsvagira Zimbabwe kuti patengwe chikafu yonetsa kuwana panguva iyo vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vakatarisana nenzara inotyisa munyika.

Vari munyika votarisira kune vari kunze kwenyika kuti vavatumire mari pamwe nezvinhu zvekushandisa panguva yezororo rekisimusi negore idzva sezvo veruzhinji munyika vasina mari yekuita izvi.

Sangano re Premier Soccer League rinotara musi wa 6 Zvita sezuva richapihwa mibairo kuvatambi vakaita mashiripiti mwaka uno,kana kuti, kana kuti soccer stars of the year 2019.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva iyo vari kumusha vatarisana nezororo rekisimusi negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG