Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 22, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvemari rinozivisa kuti riri kuronga kuunzwa imwe mari pamwe nekugadzirisa mitemo inobata nyaya dzemari yekunze.

Nhengo dzeZanu PF dziri mukomiti yeparamende inoona nezvemari dzinoramba kupinda mumusangano wekomiti iyi dzichiti sachigaro wekomiti iyi, VaTendai Biti, vanofanirwa kutanga vacherechedza VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika.

Vanhu vanodarika zviuru zvinomwe vanosungwa mushure mekupinda muBotswana zvisiri pamutemo.

Vanhu vakawanda vochema chema kuti dare remakurukota rinotambisa nguva richiungana richizeya nyaya yekutumidza migwagwa mazita evanhu vakaita mukurumbira munyaya dzematongerwo enyika.

Nzira dzese muHarare dzichage dzakananga kuNational Sports Stadium uko kune mutambo mukuru wenhabvu muZimbabwe svondo rino.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kuchinjwa kwaitwa mazita emigwagwa achipihwa mazita evanhu vakaita zvematongerwo enyika, kusanganisira zita remutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG