MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti musangano wayo wemangwana wekuti VaChamisa vataure kuruzhinji rweZimbabwe pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika, warambidzwa nemapurisa.
Vanhu vakawanda munyika vanoti havasi kufara nehutongi hwaVaEmmerson Mnangagwa avo vavanoti vari kutadza kugadzirisa hupfumi hwenyika, izvo vakati vachagadzirisa pavakapinda panyanga makore maviri apfuura
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya kwakaenda mari inoita mabhiriyoni gumi emadhora ekuAmerica ayo asiri kuzivikanwa kuti akashaniswa seyi nehurumende.
Vagari vekuNgangu Holding Camp votarisirwa kunogariswa patsva kuChipinge West uko vachange vachiita mabasa emaoko ekuzviriritira
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevechidiki kuti vapindewo muzvigaro zvepamusoro soro
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Facebook Forum