Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 14, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Makore maviri anokwana nhasi kubva musi wakaziviswa nyika kuti mauto ainge apindira mune zvematongerwo enyika aine chinangwa chikubvisa matsotsi aive muhurumende pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy. Tiri kunzwa kune vakawanda nhasi kuti pane zvavanoyemura here zviri kuitwa nehurumende

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanotura muparamende bhajeti regore rinouya rinoita mabhiriyoni makumi mashanu nesere emadhora emaRTGS, bazi rehutano richipihwa mabhiriyoni matanhatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya zvinoreva bhajeti raturwa muparamende negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Mufaro uri mukamba yemaWarriors hautsanangurike zvekuti vakomana ava vanonokerwa nemutambo wavo wekutanga we 2023 Africa Cup of Nations nemaZebras ekuBotswana uyo uri muNational Sports Stadium mangwana.

Muchirongwa cheLiveTalk - Women’s RoundTable na8pm tiri kutarisa kana hupenyu hweveruzhinji hwashanduka sekupika kwakaita hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iyo yakati yakazvipira kugadzirisa hupenyu hweveruzhinji takatarisa kuoma kuri kuita zvinhu munyaya dzemari munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG