Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 07, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Gwaro richangobva mukuburitswa nebazi reZimStats rinoratidza kuti huwandu wevanhu munyika huchakwira kusvika pamamiriyoni makumi maviri nerimwe nechidimbu muna 2032, uyewo vanhu vachange vave kurarama kwenguva yakareba panguya iyi kudarika pari zvino.

Mhuri makumi maviri dzasara dzisina pekugara mushure mukubudiswa pamwe nezvinhu zvadzo mudzimba dzadzanga dzichigara pamugodhi weGaths Mine kuMasvingo.

Vezvitendero zvakasiyana –siyana vanobatana pasi pemubatanidzwa we Gender and Faith Network mukurwisa dambudziko remhirizhonga iro vanoti ratekeshera zvakanyanya munyika.

Mhuka dzopera kufa nepamusana pekushaya chikafu nemvura munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya zviri kuitika muchikwata chemapato anopikisa madiki pamwe neZanu PF, che Political Actors Dialogue, kana kuti Polad

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo takatarisa zvakaitika mwedzi uno makore maviri apfuura apo pakabviswa vaive mutungamiri wenyika panguva, muchakabvu Robert Mugabe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG