Gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, VaJoram Gumbo, vanomiswa pamberi pedare redzimhosva vachipomerwa mhosva yekuita huori panguva iyo vaive gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu.
Gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vanoita musangano wechimbi chimbi nevashandi vehurumende vari pasi pesangano reApex Council senzira yekuti vawirirane sezvo vashandi vehurumende vari kuronga kuramwa mabasa mangwana, Chitatu.
Panguva iyo Zimbabwe iri kuda kuparura imwe mari itsva yemunyika, makambani akawanda pamwe nemakanzuru ari kukurudzira hurumende kuti abvumidzwe kubhadharwa nemari yekuAmerica sezvo mari yemunyika iri kugara yakapera simba nguva dzose.
Vagari vemunzvimbo dzeMola, Kariba nedzimwe mudunhu reMashonaland West vanoudza sangano re Zimbabwe Human Rights Commission kuti vari kumakidzwa kufamba nzendo refu kuti vanotora magwaro akaita sezvitupa kana magwaro ekuzvarwa kwevana vavo.
Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na8pm tiri kutarisa kutanga kwehurongwa hweOperation Restore Legacy, uhwo hwakabvisa pachigaro mwedzi uno makore maviri apfuura vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti hwakabatsira zvakadii vechidiki munyika mukuvawanisa mabasa neremangwana rakanaka.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.